1 John 5

Anotenda kuna Jesu Kristu ndiye anokunda nyika

1Ani nani anotenda kuti Jesu ndiye Kristu, wakaberekwa kubva kuna Mwari; uye ani nani anoda uyo wakabereka anodawo wakaberekwa kubva kwaari. 2Pane izvi tinoziva kuti tinoda vana vaMwari, kana tichida Mwari, uye tichichengeta mirairo yake. 3Nokuti urwu rudo rwaMwari, kuti tichengete mirairo yake; uye mirairo yake hairemi. 4Nokuti chipi nechipi chakaberekwa kubva kuna Mwari chinokunda nyika; uye uku ndiko kukunda kunokunda nyika, irwo rutendo rwedu. 5Ndiani anokunda nyika, kana asiri iye anotenda kuti Jesu Mwanakomana waMwari? 6Uyu ndiye wakauya nemvura neropa, iye Jesu Kristu; kwete nemvura yega, asi nemvura neropa. Zvino Mweya ndiye anopupura, nokuti Mweya ichokwadi. 7Nokuti kune vatatu vanopupura kudenga, Baba, Shoko, naMweya Mutsvene; uye ava vatatu ndimumwe. 8Uye kune vatatu vanopupura panyika, Mweya, nemvura, neropa, uye ava vatatu vanonova chimwe. 9Kana tichigamuchira uchapupu hwevanhu, uchapupu hwaMwari hwakapfuura kukura; nokuti uhu uchapupu hwaMwari, hwaakapupura pamusoro peMwanakomana wake. 10Uyo anotenda kuMwanakomana waMwari ane uchapupu maari pachake; asingatendi Mwari wakamuita murevi wenhema, nokuti haana kutenda uchapupu Mwari hwaakapupura maererano neMwanakomana wake. 11Uye uhu ndihwo uchapupu, kuti Mwari wakatipa upenyu husingaperi; zvino upenyu uhu huri muMwanakomana wake. 12Uyo ane Mwanakomana ane upenyu; uyo asina Mwanakomana waMwari haana upenyu.

Mashoko ekupedzisira

13Zvinhu izvi ndazvinyora kwamuri imwi munotenda kuzita reMwanakomana waMwari, kuti muzive kuti mune upenyu husingaperi, uye kuti mutende kuzita reMwanakomana waMwari. 14Uye uhu ndihwo ushingi hwatinahwo maari, kuti kana tichikumbira chinhu zvinoenderana nekuda kwake, anotinzwa; 15zvino kana tichiziva kuti anotinzwa, zvese zvatinokumbira, tinoziva kuti tine zvichemo zvatakakumbira kwaari. 16Kana umwe achiona hama yake ichitadza chivi chisiri cherufu, achakumbira, uye achamupa upenyu kune vasingatadzi chivi cherufu. Chiripo chivi cherufu; handisi kuti akumbire pamusoro pechichi. 17Kusarurama kwese chivi; uye chivi chiripo chisiri cherufu. 18Tinoziva kuti ani nani wakaberekwa kubva kuna Mwari haatadzi; asi uyo wakaberekwa kubva kuna Mwari anozvichengeta, uye wakaipa haamubati. 19Tinoziva kuti tiri vanobva kuna Mwari, nenyika yese irere muzvakaipa. 20Uye tinoziva kuti Mwanakomana waMwari wakauya, akatipa kunzwisisa kuti tizive iye wechokwadi; nesu tiri mune wechokwadi, muMwanakomana wake Jesu Kristu. Uyu ndiye Mwari wechokwadi, neupenyu husingaperi. 21Vana vadiki, zvichengetedzei pazvifananidzo. Ameni.

Copyright information for Shona